Psalms 145

Pisarema rokurumbidza, raDhavhidhi.

1Ndichakukudzai, Mwari wangu Mambo;
ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi-peri.
2Ndichakurumbidzai mazuva ose,
uye ndichakudza zita renyu nokusingaperi-peri.

3Jehovha mukuru uye akafanira kurumbidzwa;
ukuru hwake hahunganzverwi nomunhu.
4Rumwe rudzi rucharumbidza mabasa enyu kuno rumwe;
vachareva zvamabasa enyu esimba.
5Vachataura nezvokunaka kwokubwinya kwoumambo hwenyu,
uye ndichafungisisa pamusoro pemabasa enyu anoshamisa.
6Vanhu vachataura nezvesimba ramabasa enyu anotyisa,
uye ndichaparidza mabasa enyu makuru.
7Vachapemberera kuwanda kwokunaka kwenyu,
uye vachaimba nomufaro pamusoro pokururama kwenyu.

8Jehovha ane nyasha uye ane tsitsi,
anononoka kutsamwa uye azere norudo.
9Jehovha akanaka kuna vose;
uye ane nyasha pamusoro pezvose zvaakaita.
10Zvose zvamakaita zvichakurumbidzai, imi Jehovha;
vatsvene venyu vachakukudzai.
11Vachataura nezvokubwinya kwoumambo hwenyu,
uye vachataura nezvesimba renyu,
12kuitira kuti vanhu vose vazive nezvamabasa enyu makuru,
nokunaka kwokubwinya kwoumambo hwenyu.
13Umambo hwenyu umambo hwokusingaperi,
uye ushe hwenyu hunogara kusvikira kuzvizvarwa zvose.

Jehovha akatendeka pavimbiso dzake dzose,
uye ane rudo kuzvinhu zvose zvaakaita.
14Jehovha anotsigira vose vanowa,
uye anosimudza vose vakakotamiswa pasi.
15Meso avose anotarira kwamuri,
uye munovapa zvokudya zvavo nenguva yakafanira.
16Munozarura ruoko rwenyu, uye munogutsa zvisikwa zvipenyu zvose nezvazvinoda.

17Jehovha akarurama panzira dzake dzose, uye ane rudo kuzvinhu zvose zvaakaita.
18Jehovha ari pedyo navose vanodana kwaari, kuna vose vanodana kwaari muchokwadi.
19Anozadzisa zvido zvaavo vanomutya;
anonzwa kuchema kwavo uye anovaponesa.
20Jehovha anochengeta vose vanomuda,
asi achaparadza vakaipa vose.

21Muromo wangu uchataura kurumbidzwa kwaJehovha.
Zvisikwa zvose ngazvirumbidze zita rake dzvene
nokusingaperi-peri.
Copyright information for SnaBDSC